Accueil L’oulipienne de l’année Vers à soie
Makonye esiriki

Page précédente Page suivante

Makonye esiriki anogunun’una ari mumuti wemuhabhurosi
haadye mahabhurosi machena akapfava
azere netsvigiri haagadzire doro
makonye esiriki asinga mhanyi-mhanyi uye akapfava

anodya mashizha achitsenga zvinyoro-nyoro
izvi zvinoita kuti arare asi achitenderedza mapendekete
anozvigadzirira dendere rakatenderera achimonerera pamapango maviri
kamutsetse keshinda, ochirara akadekara

Pakuruka tinodhonza kashinda kesiriki
togadzirira mukadzi akanaka rokwe
rakanakawo saye raanopfeka nekuriyemura

Zvino panofa mukadzi uyu tinomuviga nesiriki yake
todyara paguva rake, mumwedzi wagumiguru,
muti wemuhabhurosi kusvikira narinhi mumuti uyu
makonye esiriki anoramba achigunun’una.

Traduction en shona (langue du Zimbabwe)